Continúa después del anuncio

    Ndini ndokupinza muforo
    Ndini ndinoita madiro
    Ndini ndinovhika museve
    Ndini ndinobvisa musungo
    Ndini ndinozarura masuwo
    Ndini ndinokupa muono
    Ndini ndinotumira ruzivo
    Ndini ndinotura mutoro

    Asi ndakafamba zvakanaka
    Ndakasviko tambira menduru
    Zvikanzi ichocho chigaro
    Ndicho chemajita
    Kuno kune ndarama
    Masango nemaguta
    Mambo varikuno vanokuziva nezita
    Vanombonditenderawo kuti ndimbodzika
    Hondo dzinokuvinga ndimhanye kunovhika
    Pamwe ungabatawo mupendero wejira

    Continúa después del anuncio

    Unozongosara wofamba
    Munzira yandenge ndavhura
    Ndinenge ndasakura minzwa
    Ndinenge ndavhara makomba
    Hoko dzavanenge vakarovera
    Unosvika pamusha ndakadzura
    Usazongoramba wozvidya moyo
    Kuchema kwako kwese ndinokunzwa
    Chamakaisa muvhu inyama yangu
    Hamuchina mweya wangu muguva
    Kuno tinopembera nerugare
    Hakuna chikonzero chekusuwa

    Hakuna mariro kuno kwandigere
    Mafuro manyoro akanyorovera
    Anoreva nhema
    Anobhinya pwere
    Anokanda pfumo
    Hakuna ba
    Asi handizive
    Anoziva ndishe
    Wotumira nhumhe
    Zuva rinouya mumwe
    Timuzarurire
    Timugamuchire
    Timumbundikire
    Toti ndimi mabva kure

    Información de la canción

    Composición:

    ¿Los datos están equivocados?

    Enviar revisión