Ndini ndokupinza muforo Ndini ndinoita madiro Ndini ndinovhika museve Ndini ndinobvisa musungo Ndini ndinozarura masuwo Ndini ndinokupa muono Ndini ndinotumira ruzivo Ndini ndinotura mutoro Asi ndakafamba zvakanaka Ndakasviko tambira menduru Zvikanzi ichocho chigaro Ndicho chemajita Kuno kune ndarama Masango nemaguta Mambo varikuno vanokuziva nezita Vanombonditenderawo kuti ndimbodzika Hondo dzinokuvinga ndimhanye kunovhika Pamwe ungabatawo mupendero wejira Unozongosara wofamba Munzira yandenge ndavhura Ndinenge ndasakura minzwa Ndinenge ndavhara makomba Hoko dzavanenge vakarovera Unosvika pamusha ndakadzura Usazongoramba wozvidya moyo Kuchema kwako kwese ndinokunzwa Chamakaisa muvhu inyama yangu Hamuchina mweya wangu muguva Kuno tinopembera nerugare Hakuna chikonzero chekusuwa Hakuna mariro kuno kwandigere Mafuro manyoro akanyorovera Anoreva nhema Anobhinya pwere Anokanda pfumo Hakuna ba Asi handizive Anoziva ndishe Wotumira nhumhe Zuva rinouya mumwe Timuzarurire Timugamuchire Timumbundikire Toti ndimi mabva kure